Psalms 12

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;
vakatendeka vapera pakati pavanhu.
2Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;
miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.

3Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,
norurimi rumwe norumwe runozvikudza
4ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;
miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”

5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba
nokugomera kwavarombo,
ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
6Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,
sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,
yakanatswa kanomwe.

7Imi Jehovha, muchatichengeta murugare
uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
8Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka
kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.
Copyright information for SnaBDSC